Hosea 4

Israeri inopiwa mhosva

1Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri,
nokuti Jehovha ane mhosva yaari
kupa kwamuri imi vagere munyika:
“Hapana akatendeka, hapana ane rudo,
hapana anoziva Mwari munyika.
2Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya,
kuba noupombwe;
vanoparadza zvose zvinovadzivisa,
uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa.
3Nokuda kwaizvozvi nyika inochema,
navose vanogara mairi vanoperezeka.
Mhuka dzesango neshiri dzedenga
nehove dzegungwa zviri kufa.

4“Asi ngapasava nomunhu anopa mhosva,
ngapasava nomunhu anopomera mumwe
nokuti vanhu venyu vakafanana neavo
vanopomera muprista mhaka.
5Imi munogumburwa masikati nousiku,
uye vaprofita vanogumburwawo pamwe chete nemi.
Saka ndichaparadza mai venyu.
6Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo.

“Sezvo maramba zivo,
ini ndinokurambaiwo savaprista vangu;
nokuti makashayira hanya murayiro waMwari wenyu,
ini ndichashayirawo hanya vana venyu.
7Vaprista vakati vachiwanda,
kunditadzira kwavo kukawandawo;
vakatsinhanisa kukudzwa nechimwe chinhu chinonyadzisa.
8Vanodya zvivi zvavanhu vangu
uye vachifarira zvakaipa zvavo.
9Uye zvichaitika kuti: Zvakaita vanhu, ndizvo zvichaitawo vaprista.
Ndicharanga vose, nokuda kwenzira dzavo
uye ndichavapa mubayiro wamabasa avo.

10“Vachadya asi havangaguti;
vachaita ufeve asi havangawandi,
nokuti vakatiza Jehovha kuti vazvipire
11kuufeve,
newaini yakare neitsva,
zvinobvisa kunzwisisa
12kwavanhu vangu.
Vanobvunza chifananidzo chedanda
uye vanopindurwa netsvimbo yomuti.
Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika,
havana kutendeka kuna Mwari wavo.
13Vanobayira pamusoro pamakomo
uye vanopisira zvinonhuhwira pazvikomo,
pasi pemiouki, mipopura nemiterebhini,
pane mimvuri yakanaka.
Naizvozvo vanasikana venyu vanotendeukira kuufeve
navaroora venyu kuupombwe.

14“Handizorangi vanasikana venyu
pavanotendeukira kuufeve,
kana varoora venyu
pavanoita upombwe,
nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeve
uye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvepashongwe,
vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa.

15“Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri,
usaita kuti Judha ave nemhosva.

“Usaenda kuGirigari;
usakwidza uchienda kuBheti Avheni.
Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’
16VaIsraeri vakasindimara,
setsiru rakasindimara.
Zvino Jehovha achavafudza sei
samakwayana pamafuro?
17Efuremu akabatana nezvifananidzo;
musiyei ari oga!
18Kunyange zvokunwa zvavo pazvinenge zvapera,
vanoramba vachiita ufeve hwavo;
vatongi vavo vanoda kwazvo nzira dzinonyadzisa.
19Chamupupuri chichavatsvairira kure,
uye zvibayiro zvavo zvichavaunzira kunyadziswa.
Copyright information for SnaBDSC